21/05/2024
MVANA MUKADZIWO
Chapter 2...
Jason aive ariye mukomana ega mumhuri mavo vamwe vaiiri vaive vasikana uye vaive vakugara kuvarume vavo. Vabereki vake vaive nema business akati b wandei muHarare makare kunova ndokwaishandawo Jason.Takatambirwa nemufaro mukuru, tete vakazodzokera zvavo zuva repiri. "Ndafara sha kukuwana wakakwana kudai, ndaifunga vasikana vakanaka vanenge vasisiri mhandaraka ini." Akadaro Jason achiseka zvake musi watatanga kusangana. Izvi ndizvo zvinova zvakasimbisa rudo rwedu. Ndakangonyara nyara seimbwa yaive yapinda mubutcher, ko kaivewo kekutangaka kuzviita. Ndaidawo kuti ndizviite after white wedding asi Jason aive ati hade zvemuchato for his own reasons.Pakapera mwedzi ndaitarisira kujamba kuchekawo mbudzi nekupfira pfira asi ndakashamisika ndichiteera. Jason akambotsamwa asi hazvina kuita mazuva aive adzoka mu mood kwayo. Nhamo yakazouya ndakwanisa gore pasina kana sign yenhumbu, vabereki vemurume vakati vadya marasha. Ndakaudzwa ungomwa hwandaisaziva, chaindirwadza murume wangu aive kudivi revabereki vake. Ndakazama mishonga wendudzi nendudzi asi hazvina kushanda. Musi watasvitsa makore maviri muwanano na Jason ndomusi wakauya umwe mukadzi waive atsvakirwa nevabereki vake kuti vavaitire vazukuru."Iwe ngomwa iwe kana waguta sadza redu pano wozoendawo kumba kwenyu, hatichakutora semuroora wedu. Uyu ndiye ava muroora wedu achatipa vazukuru. Iwe waibisa mimba hino hauchazvara." Vaive amai va Jason avo. Handina chandakakwanisa kuvapindura asi kungosvimha misodzi. Chakazonyanyondirwadza ndi Jason uyo akasvikondidzinga mumba yedu yekurara orara nemukadzi wake mutsva uyu."Handingagari nengomwa ini, woti hauna kana kudzimba basa kudya nekuenda ku toilet. Famba famba shamwari kana waiti wauya kuzosimba pano wairasa. Ini handichada nezvako." Akadaro Jason achitokwira pamubhedha wedu nemukadzi wechipiri uya. Kudzidza kwakanaka asikana woye, unoitawo chako chinonzi chako kwete kukonorerwa nemumwe munhu. Kumirira kuombera hakuite vasikana imi, shandisawo ako maoko. Ndakamukooneka chifumi chacho kwakutora twangu ndodzokera kumba kwedu.
Ko ndaifirei ini ndaive ndisina hangu mwana? Apa vabereki vangu hapana aiziva situation yaive yamu marriage yangu zvekuti pandakasvika nema bag vakatoshamisika."Kwakanaka here nhasi kwamatiigira grocery nemazibag kudai?" Vaive amai vangu avo. Handina kukwanisa kupindura anything asi kungochema.Ndakazovatsanangurira nyaya yangu yese kubva pazvakatanga uye pazvaive zvaperera. "This is not the end of the world my child. Makore maviri hasiwo anganzi munhu ingomwa, ko Sarah akaita makore mangani asina mwana? Mwana chipo chinobva kuna mwari kana nguva yekuti akupe yakwana mwari vanongokupa. Usazvidya moyo mwanangu." Ndomashoko akataurwa na amai vangu aya. Mazuva ekutanga zvaindiremera kutambira kuti ndakatorambwa here ini Runako? Asi pakazouya munyayi achinyatsotaura kuti vekwaMakombe vati mukadzi havachada. Ndopandakazoziva kuti chokwadi ndaive ndarambwa. Ndaizvishingisa ndichiti ko anoziva ndiri mvana ndiani ini ndisina mwana, asi chandisina kuziva ndechekuti chemanzeve aive avamo mudumbu.Pakapera mwedzi handina kuteera asi ini ndakangoti i stress yekurambwa. Handina kana kuudza amai. Ndakatozoti mwedzi wepiri wapera zvekare ndopandakatanga kupfira pfira. Ndakamboda kuzvishingisa kuti haisi nhumbu. "Kana iri nhumbu ndigoita mvana?" Ndakazvibvunza kasingaperi Ndakazorovera moyo kudombo ndikatenga ka PT wanike zvandaitya ndizvo chaizvo chaizvo zvaivepo."Haiwa tuma PT twema 50c utwu kunyepa nxaa. Ndichamukira zvangu kuchipatara mangwana kunonzwa chokwadi. Ndingaita nhumbu yemweya mutsvene here? Haiwa kana ndoenda kuchipatara mangwana." Ndini uyo ndaitaura ndega ndiri mu toilet mandaive.Chifumi ndakafumobata jongwe muromo ndonanga kuchipatara kuya. Kumba ndakati pane kwandanzwa basa. Ndakasvikoitwa ma tests angu ndikaita 10minutes ndakamirira. Ndakaona nurse vachisekerera ndikaziva kuti zvandaitya zvaitika."Congratulations sister you are 2month pregnant. Here you go." Akadaro nurse uya achinditambidza ma results angu. Pachinzvimbo chekufara misodzi yakatanga kuerera mune angu matama. Ndaive ndofunga zvakawanda ipapo ndakatadza kana kusimuka pachi chair chaive mu office umu."Misodzi yemufaro here iyi asikana? Aiwa farai chokwadi vazhinji vari kurambwa mudzimba umu nekuda kwekushaya mbereko. Itotendai mwari mawanirwa nyasha imi." Akadaro nurse uya. Ndakapotsa padiki diki kuridza tsamwa, chokwadi munhu anongowawata zvausina kubvunzwa aaah. Akanga amudza kuti ndiri kufara ndiani nhai? Hadzisi nhumbu dzese dzamunoona dzakatakurwa dzinenge dzichifadza mufunge. Ndakasimuka pa chair pandaive zvehasha kwakunanga kuma combi ndoenda kubasa kwa Jason.Ndakasvikopinda ndisina kana kunoka. Ndakasvika shasha dzakagarisana pamakumbo wena vachidyisana zvima grapes.
"Saka tomutii aniko mwana uyu? Jason jnr or Melody jnr?" Aive Jason uyo aitaura achipuruzira dumbu remukadzi wacho. Ndakamboda kubuda ndisina kutaura anything asi moyo wakaramba, ndakazozvishingisa ndikakosora kuti vazive maive mapinda munhu."Urikudei pano nhaiwe ngomwa iwe?" Akadaro Jason achisimuka pa chair paive."I'm 2month pregnant Jason and you are the fpather of the child." Ndakapindura misodzi yatojenga mumaziso."You are joking right? Pregnant? You? So how does that concern me? Please get out of my office before I call security to help you. Wakabva kumba kwedu usina nhumbu ukanohura zvako uko wouya woti pwetere pwetere pano manje? Handidi kukuona pano zvekare. For your own information we are expecting a bouncing baby boy soon, saka kana aya anga ari ma tricks ekudzoka kwandiri wairasa." Akapindura Jason. Handina kuzozvinetsa asi kubuda ndoenda.Ndakasvikonanga mu room mangu kwakurara ndisina wandaudza zvaive zvaitika. Ndakatozovhunduka amai vondimutsa....part 3...